1 John 1

Upenyu huri muna Jesu Kristu

1Icho chakange chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu, 2(uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakange huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri); 3icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu; 4uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.

Fambai muchiedza muchipupura zvivi zvenyu

5Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose. 6Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi; 7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chese. 8Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri. 9Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kwese. 10Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.

Copyright information for Shona